Kuroora kwaTsuro nedzimwe ngano
Ngano dzekuZimbabwe
by
Book Details
About the Book
Bhuku rino rinorondedzera ngano dzandakakura ndichiudzwa naambuya vangu. Pandaikura, kumaruva kwandaigara, taiti kana tichinge tapedza kudya chikafu chemanheru, taigara takakomba choto tichitandara mumba yekubikira. Apa ndoo pataiteerera ambuya vangu vachitaura ngano dzavakange vakakurawo vachinzwa. Mubhuku iri mune ngano dzakasiyana-siyana dzakaitika makare-kare mumasango eZimbabwe. Mungano idzi kazhinji tinoona mhuka dzichikurukurirana pachadzo asi nedzimwewo nguva tinoona zvakare mhuka nevanhu zvichikurukurirana nekugarisana. Ngano idzi kazhinji dzinowandopedzisira nedzidziso yakakosha muupenyu.
About the Author
Victoria Mushaba Chimhutu akaberekerwa kwaMutare, Zimbabwe mugore ra 1983. Akadzidza kuzvikoro zvinoti Mandzinde Primary School, Munyoro Secondary School neMt Selinda High School. Mushure mezvo akazoita BSc in Political Science kuUniversity of Zimbabwe akapedza mugore ra 2005 uye MPhil in Public Administration kuUniversity of Bergen, Norway mugore ra 2009.